Psalms 148

1Rumbidzai Jehovha.

Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga,
murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro.
2Murumbidzei, imi vatumwa vake vose,
murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga.
3Murumbidzei, imi zuva nomwedzi,
murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya.
4Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro,
nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga.
5Ngazvirumbidze zita raJehovha,
nokuti akarayira, izvo zvikasikwa.
6Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri,
akapa chirevo chisingazombopfuuri.

7Rumbidzai Jehovha imi nyika,
imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza,
8nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore,
dutu remhepo rinoita zvaakareva,
9imi makomo nemi zvikomo zvose,
miti inobereka nemisidhari yose,
10mhuka dzesango nemombe dzose,
zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka,
11Madzimambo enyika nendudzi dzose,
imi machinda nemi vatongi vose panyika,
12majaya nemhandara,
vatana navana.

13Ngavarumbidze zita raJehovha,
nokuti zita rake iye oga iguru;
kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga.
14Akasimudzira vanhu vake runyanga,
iyo rumbidzo yavatsvene vake vose,
yaIsraeri, vanhu vari pedyo nomwoyo wake.

Rumbidzai Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC